Lyrics

Rugare dai uchiziva matsvakiro andokuita waindinzwira tsitsi
Vamwe vanovingwa nehupfumi kunge nhunzi pano panyika
Asi kwandiri unobhururuka uchitiza kunge shiri
Rugare urikutsvakwa nani nani, wese munhu pano pasi

Asi iwe haumbobatika, unenge mhepo yechirimo
Vakakuwana vashoma kwazvo, takakushaya tisu vazhinji
Rugare uri jenaguru unodiwa nevanhu vose
Huya undinunure nhayi rugare, hona ndachembera ndichikutsvaka
Ndichakuwana riniko nhayi rugare, ini ndave hari yofanzirofa?
Huya ndikusiyire vana vangu ho, ugare navo mazuva ose

Rugare, nhayi rugare, rugare, nhayi rugare
Huya undinunurewo nhayi rugare, hona ndachembera ndichikutsvaka

Written by: Marshal Munhumumwe
instagramSharePathic_arrow_out