Similar Songs
Credits
AUSFÜHRENDE KÜNSTLER:INNEN
Tongai Moyo & Utakataka Express
Stimme und Gesang
KOMPOSITION UND LIEDTEXT
Tongai Moyo & Utakataka Express
Songwriter:in
Lyrics
Dhiya wangu ndakakunyorera tsamba yerudo
Koo, unouya here kuzondiona ini ndowore moyo?
Uchakaruka ndaendazve?
Dhiya wangu ndakakunyorera tsamba yerudo
Koo, unouya here kuzondiona ini ndowore moyo?
Uchakaruka ndaendazve?
Nguva yese ndakangomirira ini
Uchingoti iwewe chimbondimirira ndichambokura
Asi ndaore moyo uchakura rinizve?
Gore rese ndakangomirira
Kutarira iweka unouya here kuzondiona ini ndaore moyo?
Uchakaruka ndafunga kure
Rudo neni hauchina iwe, kana tsamba chaiyo hauchanyori
Dhiya iwe ini ndaore moyo uchakura ndafunga kure
Rudo neni hauchina iwe, kana tsamba chaiyo hauchanyori
Dhiya iwe ini ndaore moyo uchakura ndafunga kure
Iyo iyo iyo
Dzandinetsa ndangariro iwe
Iyo iyo iyo
Dzandinetsa ndangariro iwe
Rudo, rudo, rudo iwe
Ndazvimba mapapu ndakufunga iwe
Rudo, rudo, rudo iwe
Ndazvimba mapapu ndakufunga iwe
Dhiya wangu ndakakunyorera tsamba yerudo
Koo unouya here kuzondiona ini ndowore moyo?
Uchakaruka ndaendazve
Nguva yese ndakangomirira ini
Uchingoti iwewe chimbondimirira ndichambokura
Asi ndawore moyo, uchakura rinizve?
Rudo neni hauchina iwe
Kana tsamba chaiyo hauchanyori
Dhiya iwe ini ndowore moyo, uchakaruka ndafunga kure
Iyo iyo iyo
Dzandinetsa ndangariro iwe
Rudo, rudo, rudo iwe
Ndazvimba mapapu ndakufunga iwe
Iyo iyo iyo
Dzandinetsa ndangariro iwe
Rudo, rudo, rudo iwe
Ndazvimba mapapu ndakufunga iwe
Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe
Ndakakutakura mupfungwa iwe
Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe
Ndakakutakura mupfungwa iwe
Chirega kudemba demba ruva rangu iwe
Ndakakutakura muhana iwe
Chirega kudemba demba ruva rangu iwe
Ndakakutakura muhana iwe
Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe
Ndakakusenga mupfungwa iwe
Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe
Ndakakutakura mupfungwa iwe
Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe
Ndakakutakura mupfungwa iwe
Chirega kudemba demba ruva rangu iwe
Ndakakutakura muhana iwe
Chirega kudemba demba ruva rangu iwe
Ndakakutakura muhana iwe
Chirega kugunun'una dhiya iwe
Ndakakusenga mupfungwa iwe
Writer(s): Tongai Moyo
Lyrics powered by www.musixmatch.com