Lyrics

Tingafara zvedu kuya kunonzi kufara Tingafara zvedu kuita zvese zvatinoda Asika zivai munhu mumwe nemumwe Kuti tichafa tose tichisiya nyika Tingafara zvedu kuya kunonzi kufara Tingafara zvedu kuita zvese zvatinoda Asika zivai munhu mumwe nemumwe Kuti tichafa tose tichisiya nyika Ungafuma zvako kuya kunonzi kufuma Ungafuma zvako kuwana zvese zvaunoda Asika zivai munhu mumwe nemumwe Kuti tichafa tose tichisiya nyika Ungafuma zvako kuya kunonzi kufuma Ungafuma zvako kuwana zvese zvaunoda Asika zivai munhu mumwe nemumwe Kuti tichafa tose tichisiya nyika Kufa hama yangu hakunei nehufumi hwako Kuziva kwako kana kukura kwako Chaungaita chete ndiko kugaro ziva Kuti pasi rino idandaro Kufa hama yangu hakunei nehufumi hwako Zvirongwa zvako kana kukura kwako Chaungaita chete ndiko kugaro ziva Kuti pasi rino idandaro Dzaivepo hama neshamwari dzedu Dzakasiye nyika nyangwe zvazvo yaifadza Hama ngatizivei chinhu chimwe chete Kupinda muguva hakuna unoramba Dzaivepo hama neshamwari dzedu Dzakasiye nyika nyangwe zvazvo yaifadza Hama ngatizivei chinhu chimwe chete Kupinda muguva hakuna anosarudza Akawanda kwazvo makuva anevapfumi panyika ino Vamwe vaizvidza hama dzavo Nokuda kweiko? Nokuda kwekunyengerwa nenyika Hama zivai pasi idandaro Akawanda kwazvo makuva anevapfumi panyika ino Vamwe vaizvidza hama dzavo Nokuda kweiko? Nokuda kwekunyengerwa nenyika Hama zivai pasi idandaro Denga raMwari, denga rakamirira munhu Nero gehena, gehena rakamirira munhu Ko iwe hama yangu, ko iwe hama uchaendepiko? Hama zivai pasi idandaro Denga raMwari, denga rakamirira munhu Nero gehena, gehena rakamirira munhu Ko iwe hama yangu, ko iwe hama uchaendepiko? Hama zivai pasi idandaro Akawanda kwazvo makuva anevapfumi panyika ino Vamwe vaizvidza hama dzavo Nokuda kweiko? Nokuda kwekunyengerwa nenyika Hama zivai pasi idandaro Akawanda kwazvo makuva anevapfumi panyika ino Vamwe vaizvidza hama dzavo Nokuda kweiko? Nokuda kwekunyengerwa nenyika Hama zivai pasi idandaro Denga raMwari, denga rakamirira munhu Nero gehena, gehena rakamirira munhu Ko iwe hama yangu, ko iwe hama uchaendepiko? Hama zivai pasi idandaro Denga raMwari, denga rakamirira munhu Nero gehena, gehena rakamirira munhu Ko iwe hama yangu, ko iwe hama uchaendepiko? Hama zivai pasi idandaro
Writer(s): Charles Charamba, Mai Charamba Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out