Lyrics
Ndoitasei
Uuuu huuu wuuu ....
Pane mukomana wandinofarira,
Iye wacho haandifarire,
Pane mukomana wandinofarira,
Aye.
Musikana waanoda wacho haamude,
Iye waanoda wacho haamude,
Musikana waanoda wacho haamude,
Aye.
Yapapa, awihayo ....
Rudo rwandinarwo kwaari,
Dai aiziva,
Maworesa.
Ummmmmm
Rudo rwandinarwo kwaari,
Dai aiziva
Mutakunanzva.
Ummmmmm X2
Yapapa yo, awiawo ....
Ndoita seiko kuti ndiwane rudo,
Ndoita seiko kuti ndimuzivise,
Ndoita seiko kuti ndiwane rudo,
Ndoita sei?
Murudo
Ukanyara unoruza, murudo,
Parudo
Motobudirana pachena, murudo,
Nyaya dzerudo, ukanyara unoruza, murudo,
Parudo motobudirana pachena, murudo.
Ndoita seiko kuti ndiwane rudo,
Ndoita seiko kuti ndimuzivise,
Ndoita seiko kuti ndiwane rudo,
Ndoita sei? X2
Written by: Hope Masike