Lyrics

Mount Zion Music
Yoh JMP
Kudzanai ndiStallion
Tee-Man
Nduru
Chiraa
Yoh Passion Java
Nekuti vanoziva kuti handina chikwambo
Ndosaka vanditeya sekashiri nehurimbo
Handina chirombo ndosaka vakanda dombo
Kuda kupiringisha manje ndobva ndabvisa gumbo
Vanozviziva kuti inini handina nyanga
Ndosaka vachishinga kutotanga kunditanga
Kundivhuringa nekuti handibate mushonga
Nekuti handizvigone zvekutsinga vanhu
Vanhu vakangoziva kuti hausi muroyi vanodheerera
Vanhu vanokudheerera, vanodheerera, vanodheerera
Vanokutsemukira kuti tsemu, tsemu, tsemu, tsemu
Vakangoziva kuti hausi muroyi vanodheerera
Vanhu vanokudheerera, vanodheerera, vanodheerera
Vanokutsemukira kuti tsemu
Nekuti vanoziva kuti ini handina mheni
Ndine mheni ndaiva-roaster se-chicken
Nekuti handina tsono yekuzobaya chidhori ndakatarisa girazi
Ende futi handina zizi remuhozi (ho-o)
Nekuti handina gondwa haatsuri
So maronga zvekunhuhwa?
Oh-h handina rusero
Vakundiitira chimero chinodhingura chikero
Vanhu vakangoziva kuti hausi muroyi vanodheerera
Vanokudheerera, vanodheerera, vanodheerera
Vanokutsemukira tsemu, tsemu, tsemu, tsemu
Vakangoziva kuti hausi muroyi vanodheerera
Vanhu vanokudheerera, vanodheerera, vanodheerera
Vanokubamukira kuti bamu
Vanhu vanotsemuka
Vari kuziva hauzvigone zvekunokora tsoka
Kana usingabate tsotso unonzi wareruka
Fanika vaya vane godo kana wakusimuka, zvichafumuka
Inini handisi muroyi
Asi mukangodarikira Mwari anokunyadzisai
Ende anokunyadzisai mese makadai
Kuda kundiitira muzerere nekuti handina bere
Haunyare! Ndisiye!
Vanhu vakangoziva kuti hausi muroyi vanodheerera
Vanhu vanokudheerera, vanodheerera, vanodheerera
Vanokutsemukira tsemu, tsemu, tsemu, tsemu
Vakazviziva kuti hausi muroyi vanodheerera
Vanhu vanokudheerera, vanodheerera, vanodheerera
Vanokutsemukira kuti tsemu, tsemu, tsemu, tsemu
Nekuti vanoziva kuti handina chikwambo
Ndosaka vanditeya sekashiri nehurimbo
Handina chirombo ndosaka vakanda dombo
Kuda kupiringisha manje ndobva ndabvisa gumbo
Vanozviziva kuti inini handina nyanga
Ndosaka vachishinga kutotanga kunditanga
Kundivhiringa nekuti handibate mushonga
Nekuti handizvigone zvekutsinga vanhu
Vanhu vakangoziva kuti hausi muroyi vanodheerera
Vanhu vanokudheerera, vanodheerera, vanodheerera
Vanokutsemukira tsemu, tsemu, tsemu, tsemu
Vakangoziva kuti hausi muroyi vanodheerera
Vanhu vanokudheerera, vanodheerera, vanodheerera
Vanokutsemukira kuti tsemu
Akatozotuma gudo kuti ribvunze chikwereti
Rakasvika rikati, "Hanzi nababa chipedzisai ka zvamakatanga"
Drew, Israel
Yoh JMP, Tee Man
Wagwaan? Wagwaan?
Wagwaan? Inini Ishall
Panashe Jamanda who are you?
Throto
Musati Stallion
Turo
Eh-h chirauro
Chi-chira
Written by: Jordan Link Mangwiro, Temptation Tman Chirenje
instagramSharePathic_arrow_out